Matthew 14

Johani Mubhabhatidzi Anogurwa Musoro

1Panguva iyoyo mambo Herodhi akanzwa nezvaJesu 2uye akati kuvaranda vake, “Uyu ndiJohani Mubhabhatidzi; amuka kubva kuvakafa! Ndokusaka masimba ezvishamiso achishanda maari.”

3Zvino Herodhi ainge abata Johani akamusunga achibva amuisa mutorongo nokuda kwaHerodhiasi mudzimai waFiripi, mununʼuna wake, 4sezvo Johani ainge ati kwaari, “Hautenderwi kutora mukadzi uyu.” 5Herodhi aida kuuraya Johani asi aitya vanhu nokuti vaimuona somuprofita.

6Asi zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi rakati rasvika, mwanasikana waHerodhiasi akatamba pamberi pavo uye zvikafadza Herodhi kwazvo, 7zvokuti akamuvimbisa nemhiko kuti aizomupa chipi nechipi chaaizokumbira. 8Arayirwa namai vake mwanasikana akati, “Ndipei pano musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro.” 9Mambo akasuwiswa nazvo, asi nokuda kwemhiko yake uye navaainge agere navo pakudya, akarayira kuti upiwe kwaari, 10ndokutuma vanhu kundogura musoro waJohani mutorongo. 11Uye musoro wake wakauyiwa nawo uri mundiro ukapiwa kumusikana, iye akaenda nawo kuna mai vake. 12Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora mutumbi wake vakandouviga. Vakazoenda vakandoudza Jesu.

Jesu Anopa Vanhu Zviuru Zvishanu Zvokudya

13Jesu paakanzwa zvakanga zvaitika, akabvapo negwa zvisingazivikanwi nevazhinji akaenda kurenje. Vachinzwa izvi, vanhu vazhinji vakamutevera netsoka vachibva kumaguta. 14Paakabuda mugwa, Jesu akaona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi uye akaporesa varwere vavo.

15Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Tiri musango, uye kwava kusviba. Endesai vanhu ava, kuti vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.”

16Jesu akapindura achiti, “Havafaniri kuenda. Imi vapei chavangadye.”

17Ivo vakapindura vakati, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri.”

18Akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” 19Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa vanhu. 20Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri. 21Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana.

Jesu Anofamba Pamusoro peMvura

22Pakarepo Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vapinde mugwa vafanotungamira kuenda kune rimwe divi, iye ndokusara achiendesa vanhu vazhinji ava. 23Mushure mokuendesa vanhu vazhinji ava, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Madekwana akasvika iye achingovako ari oga, 24asi igwa rakanga rava chinhambwe chikuru kwazvo kubva kunyika asi richitambudzwa namasaisai nokuti mhepo yairwisana naro.

25Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. 26Vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya kwazvo. Vakaridza mhere nokutya vakati, “Hero dzangaradzimu!”

27Asi pakarepo Jesu akati kwavari, “Musatya, ndini!”

28Petro akapindura akati, “Ishe, kana murimi ndirayirei kuti ndiuye kwamuri ndichifamba pamusoro pemvura.”

29Iye akati, “Uya.”

Ipapo Petro akabuda mugwa akafamba pamusoro pemvura akananga kuna Jesu.
30Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya, ndokubva atanga kunyura, achibva adanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!”

31Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, uye akati kwaari, “Iwe wokutenda kuduku, sei wakahadzika?”

32Uye pavakapinda mugwa, mhepo yakanyarara. 33Ipapo vaya vaiva mugwa vakamunamata vachiti, “Chokwadi muri Mwanakomana waMwari.”

34Kuzoti vayambukira mhiri, vakaburukira paGenesareti. 35Uye varume venzvimbo iyoyo vakati vamuziva, vakatumira shoko mudunhu rose rakapoteredza. Vanhu vakauya navarwere vavo vose kwaari 36vakamukumbira zvikuru kuti abvumire varwere kuti vangobata mupendero wenguo yake uye vose vakamubata vakaporeswa.

Copyright information for SnaBDSC